Saturday, April 14, 2018

NZVIMBO DZEMUMABHUKU Comments

Rating: 0.0

wese andaita mahwekwe naye
mubvunzo ndiwo mumwe chete:
kwakadini kwamanga mapota?


mhinduro ndiopa yepasi pemoyo:
kutaura zvese handingakwanisi,
zvakapinda mumusoro zvinozadza dura


vose vanozoita kunge vapatika kyuhope,
vobvunza zvakare, uso vakasunga:
gara zviya ndepiko kwawaiva?


Handinonoki kudzora mhinduro:
ndaiveko kunyika yemutsindo,
kumatuhnhu emuzinda we Timbouctou.


vese vanokapaza misoro semabhuru,
vopfipfidza vachinwa rukweza rwavo:
nzvimbo dzakadaro ndezdzemumabhuku chete.


ndinotsikisira wangu musoro pasi,
ndozvipodza hana nemashoko mumoyo:
ndakakomorerwa ndakazvionera pamhino sefodya.
...
Read full text

Chirikure Chirikure
COMMENTS
Close
Error Success