Ndinoda kuva
Hapana pandaizova nyanduri
Iwe usingapinduri
Kunge chibage chirumuduri
Mwoyo wangu worovera iwe
Sendinotamba dudumuduri
Ndinoziva zvandataura
Zvinogona kusareva
Asi rudo rwangu rwuri pauri
Zuva nezuva hariperi
Ndisina kuda kuziva nezvekwauri
Asi rimwe nemazuva ndovimba ishe
Vachandiavitsa pauri
Pauri ndipo pane mwoyo wangu
Pauri ndipo pandiri
Sevarume varipandari
Kana ndisinewe handigoni
Sezvineiwo
Rega ndimboita ndikure
Nekuti wakati haudi munhu njee
Ini sanyanduri
Ndinoziva zvakaoma hazvo
Asi chido chekuva pauri
Chinondituma
Kumuka usiku
Kuti ndikuudze pamusoro
Pezvauri
Sezvinonzi iwe hauzivi zvauri
Samuparidzi
Ndinoziva kuti kukuda kunogona kuva
Sekutandanisa chamupupuri
Asi zvino kana chamumupupuri
Chacho chiricho chega
Chingandiratidze
Kwauri ndeupi umwe
Mukana ungava kwandiri.
Nguva inopfura
Ndaona iwe tsvigiri yangu
Nguva inopfura
Ndichiedza kukupfimba
Chisiri chitarisiro
Chekukupedzera nguva
Kana kutamba nedzako
Pfungwa sebhora
Rechikweshe mumaraini
Asi chiri chivimbo
Chekurarama nguva yasara yeupenyu hwangu
Mukukuda.
Zvino iwe wako moyo
Vhura
Gogoi tisvikewo pano
Mudiwa wemoyo wako ini ndoda kuva
Kusvika nguva inouya
Kunyangwe nemuguva.
Rudo rwangu ndinoda kukupa
Zvekuti kana nema ex ako
Anouya achindikumbira ruregero
Nekuti vakakutambisira nguva
Ndiwe zvako mwanasikana
Wandimutsa pakati peusiku
Ndichiita sendirikutambisa nguva
SaNyanduri
Zvimwe ungafunge kuti
Kugona kwangu kutamba nemashoko
Kutaura masvandikongonya
Matekenya mwoyo
Mashoko anonyerekedza chako chipfuva
Dai wambondipa yako nguva
Ndaikuratidza kuti zvose zvako ini
Ndinoda kuva
Hakusi kungotaura chete kwete
Asi yako shamwari yepamoyo
ini ndinoda kuva.
This poem has not been translated into any other language yet.
I would like to translate this poem