Saturday, April 14, 2018

IZORORO RAMAGAMBA NHAI? Comments

Rating: 0.0

Izororo ramagamba,
Kuremekedza vaya,
Vakaisa nyika mberi,
Upenyu hwavo kumashure.

Izororo ramagamba,
Mabhawa akati pa-a,
Zvikari, mabhotoro, zviri kuzeya,
Ronwiwa zvese nevana varo.

Izororo ramagamba,
Mvana nemachinda adzo,
Ibishi mumakwenzi, makoronga, nemumotikari,
Kupana njovhera murudo rwekunyepera.

Izororo ramagamba,
Vane mari nemasimba,
Vari kunzveyesana, nyama dzichigochwa,
Uku vachiruka mazano ekumora imwe mari.

Izororo ramagamba,
Nyika yose iri mujakwatira rorufaro,
Magamba ari kudyiwa nehonye,
Mhuri dzavo dziri mumisodzi.

Izororo ramagamba, nai?
...
Read full text

Chirikure Chirikure
COMMENTS
Close
Error Success