Guvhu rangu rakawirepi? . Ndiratidzeyi mhayi, ndizive. Ndoda kunoritsvaga kwarakawira ndinonge kana ndariwana. Ndiwudzeyi mhayi muchiri vapenyu. Dzenyu nyama dzichakagwinya Sedzemhandara. Randakayamwa nderenyu makati ndisakurashayi. Ndimi mayindikurungira wusvusvu kana ndochema ndiri kumusana kwenyu. GUVHU rangu rakawirepi nhayi vehama hapana wakamboriwona. Ndichikura ndaingonzwa 'GUVHU REMWANA rawa! .'..
...
Read full text